Job 14

1“Munhu akazvarwa nomukadzi
ane mazuva mashoma azere nokutambudzika.
2Anobuda seruva agosvava;
anotiza somumvuri, haagari.
3Ko, munotarisisa munhu akadai here?
Ko, muchamuuyisa kuzotongwa pamberi penyu here?
4Ndianiko angabudisa chinhu chakachena kubva pane chine tsvina?
Hakuna!
5Mazuva omunhu akatarwa;
makatema kuwanda kwemwedzi yake,
mukamutarira miganhu yaasingagoni kudarika.
6Naizvozvo regai kumutarisa uye mumusiye ari oga,
kusvikira apedza nguva yake somunhu anoshanda.

7“Asi kumuti kune tariro:
Kana ukatemwa, unobukirazve,
uye mabukira awo matsva haasvavi.
8Midzi yawo ingava yakwegura hayo muvhu
uye hunde yawo ichifa muvhu,
9asi uchabukira pakunhuhwira kwemvura
ugomera somuti uchangotanga kumera.
10Asi munhu anofa agoradzikwa pasi;
anofema kokupedzisira uye haazovapozve.
11Sokupera kunoita mvura mugungwa,
kana kupwa nokuoma kworwizi,
12saizvozvo munhu anovata pasi asingazomuki;
kusvikira matenga asisiko, vanhu havazomukizve kana kumutswa pakuvata kwavo.

13“Haiwa, dai mandiviga henyu muguva chete,
uye mandiviga kusvikira kutsamwa kwenyu kwapfuura!
Dai chete manditarira nguva,
uye ipapo mugondirangarira!
14Kana munhu akafa, angazoraramazve here?
Mazuva ose okushanda kwangu kwakaoma,
ndicharindira kusvikira kuvandudzwa kwangu kwasvika.
15Muchadana uye ini ndichakupindurai;
muchashuva chisikwa chamakaita namaoko enyu.
16Zvirokwazvo muchaverenga nhambwe dzangu ipapo,
asi musingarondi chivi changu.
17Kudarika kwangu kuchasungirwa musaga;
muchafukidzira chivi changu.

18“Asi sokupfupfunyuka kunoita gomo rigoondomoka,
uye sokubviswa kwedombo panzvimbo yaro,
19semvura inochera mabwe,
uye sokuyerera kwemvura zhinji inokukura ivhu,
saizvozvo munoparadza tariro yomunhu.
20Munomukunda kamwe chete zvachose, uye akasazovapo;
munoshandura chiso chake mobva mamudzinga.
21Kana vanakomana vake vachikudzwa, iye haazvizivi;
kana vakadzikisirwa pasi, iye haazvioni.
22Anongonzwa kurwadza kwomuviri wake chete,
agozvichema iye pachake bedzi.”
Copyright information for SnaBDSC